KUTSAGA KUPONA PASINA KUURAYA!

  • Madhora anodarika $800 billion pagore, anosevenzeswa mukurongwa kwemari  yehondo mupasi rose

  • Madhora anodarika $40 billion ndee hondo itsva yeAmerica

  • Madhora $80 billion anogona kubatsira zvinokosheswa muhupenyu - mvura,  marasirwo etsvina, hutano, kudyakunovakamuviri, fundo nekamari kangapinde muvanhu vese.

2001trl.gif (12410 bytes)

KECHITATU (3RD) KUKANDA MAPADZ A PASI KWEMADZIMAI MUPASI RESE MUSI WA
8 KURUME (8 March) 2002.
ZUVA REMADZIMAI PASI RESE.

Hakuna kumbove ne hupfumi hwakadai - asi zvakadaro vazhinji vedu tine pashoma shoma.

KANDAI MAPADZA PASI KUTI:

  • Pasi rigoremekedza kushanda kwemadzimai, nehupenyu hwevanhu vese - dyarai zvinotibatsira mangwana kwete kuponda.

KANDAI MAPADZA PASI KUTI IZVI ZVIPERE:

  • "Hondo itsva yeAmerica" nehondo dzese zvadzo - madzimai nevana ndivo vari muruzhinji rwevanouraiwa uye makumi masere muzana (80%) vanhu varikutiza kurwiswa nekushushwa (refugees).

  • Globalisation - gumai kusabhadhara vanhu, kuvabhadhara mari shoma,  nekuseenzeswa kwakanyanya pasi rese.

MADZIMAI NEVANASIKANA VANOSHANDA ZVIKAMU ZVIVIRI PAZVITATU [2/3]YEBASA RE PASI RESE VACHIPUWA ZVIKAMU ZVISHANU PAZANA 5% SEMURIPO, BASA ZHINJIHARINA MUBADARO

Madzimai ndivo vanobereka vana nekuvariritira pasi rese. Avo vatiine chivimbo nekutarisira kuti vachayamura hupenyu hwedu vave kupondwa sevabatsiri vemhondi kana kuti vano sevenzeswa kuve mhondi dzekuuraya. Naizvozvo tiri pakati pekumbunyikindzwa pane avo vasingade zvehondo. Kukundikana kukuru muupenyu kuti hafu yevanhu vakagara munyika vakadzidziswa kuriritira nekurera mhuri, imwe hafu ichiti pane zvimwe zvinokosha kudarika izvi.

Kudzvanyirirwa nechisimba nehondo dzacho zvave kutimbunyikiza hupenyu hwedu, vanhu kwese kwese vave nemubatanidzwa yakakurisa - zvichatidzokera  munyika yedu, nekukunda  umbavha (via privatisation) zvinhu zvavenekubvutidzanwa zvakadai semvura, mhodzi, nezvinotevedza muropa (genes). Kukanda Kwemadzimai Kwemapadza Pasi Rese, mubatanidzwa  mukuru mukuti zvinodiwa nemadzimai zvinzwikwe "Women's Independent Voice" inoshandura mari dzekurwisana muhondo kuti dzive dzichiriritira mhuri, kudya, kurapwa kana vanhu rwarara nekudzidza.

Zvikariro Zvekukanda Mapadza Pasi mupasi rese zvinoti:

  • Kushanda kwekuchengetedza zvinhu zvese ngakubhadharwe panguva pfupi nepfupi(wages)-vanhu vawane mudyandigere,minda, nezvimwe zvingava batsire muupenyu.   Chiyi chinokosha kudarika kubereka, nekuyamwisa vana nekuchengeta vanhu?   Dyarayi zvinobereka hupenyu hwemangwana nekurarama kwakanaka kwete kuisa mari yehurumende munezve mauto ekurwa nematorongo.
  • Kubhadhara ngakuenzanirane kune vese vakadzi nevarume mu Global Market
  • Madzimai aripahata vabhadharwe, nguva pfupi yavanoyamwisa ibhadharwe nekuwaniswawo mirwe migove ingavabatsire- regai kutipomera mhosva yekuve vanhukadzi.
  • Kubviswa kwejeredzwa kwenyika dzisina upfumi hwakawanda (3rd World) zvinoremera kumadzimai nevanasikana zvakanyanya. Isu tisu tinekodzero yekutobhadharwa jeredzwa racho kwete kuti tibhadhare.
  • Kukwanisa kuwana mvura yakachena, hutano hwemuviri, kuve nedzimba dzekugara, zvekufambisa, nekukwanisa kunyora nekuverenga.
  • Zvishandiso zvisina njodzi kana urwere, njere neruzivo rwemazuva ano (technology) zvinobatsira kuti nguva yepabasa ive pfupi. Tese tinoda kuseenzesa zvitofu zvekubikira, mafiriji, michina yekuwachisa mbatya, macomputer, nenguva yekusashanda.
  • Ngakuve nekudzivirirwa nebotero revarikutiza kurwiswa nekushushwa zvichisanganisa nhengo dzemhuri nevanezvigaro zvepamusoro zvine masimba.
  • Ngakuve nemvumo yekufamba kwaunoda. Mari inofamba kwese ichitenga zvainoda, ko sei vanhu vachitadziswa?

International Wages for Housework Campaign

Munotiwana panotevera

Home