Gadzirirayi
mafambisirwo angaitwe iyezvino kugadzira kechipiri;
Kukanda
Mapadza Pasi
Kwemadzimai muPasi Rese.
Musi wa 8 Kurume (March) 2001
Zuva Rakamisirwa
Madzimai Mupasi Rose.
Kukanda mapadza pasi kuratidza
kwenyika kuti inoremekedza mabasa ese anoitwa nemadzimai, upenyu hwavo, nekusvitsa
pamagumo.
kusabhadharwa,kubhadharwa mari iri
pasi pasi, nekusevenza zvakapfurikidza
|
Pazuva Rakamisirwa Madzimai
gore ra 2000, vanhukadzi vanoshanda vachitambiriswa kana vasinga tambiriswe munyika
dzinokwana makumi matanhatu neshanu (65)vakasungana kekutanga kuti vakande mapadza pasi
mupasi rese vakokwa nekutungamirirwa nebato re International Wages for Housework Campaign Musi wa 8 Kukadzi (March) 2001, madzimai nevanasikana vachakanda mapadza pasi
zvekare vachikarira kuti ndudzi dzese dzidyare zvinopa kuti vakohwe zvinopfumisa upenyu
hwega hwega, kwete kuparadza vanhu nenyika yavagere kuti vapfumise rushoma rwevanhu. |
"Semunhukadzi,
nyika yangu ipasi rose"
Madzimai
nevanasikana ndivo vanoshanda zvikamu zviviri pazvitatu (2/3) yebasa rose remunyika
vachibhadharwa zvikamu zvishanu pazana (5%) yemari inogashirwa pakushanda. Zvikamu zviviri
pazvitahu (2/3) yekushandwa kunoitwa hakuna anobhadharwa
Vanhu kwese kwese varikukarira kuti maitirwo ezvinhu zvese
zvese ashandurwe maererano nekukosha kwacho. Madzimai nevanasikana ndivo vanoita
basa rekubereka, kupa kudya, nekuchengetedza mupasi rese. Asi basa rakakosha kudayi
rekuraramisa ndudzi dzese, rinowonekwa serisina maturo, zvoninipisa vanoriita.
Kuti tikunde zvinoratidza kuti munhurume here kana munhukadzi,
tavekumbunyikidzwa kuti tikwikwidzane nevarume nesupachedu. Tinopedzisira
tasevenza zvakapfurikidza, tobhadharwa zvishoma nekutadziswa kuwirirana pachedu -
zvichibatanidza nevanowongorora mapindiro mudzinyika dzakasiyana siyana vanove ndivo
vanesimba rekudzivirira kutambira mari kwakaipisisa kwevashandi nemashandirwo anoitwa
mupasi rese. Mamwe maboka arikugambira kuve ndivo varidzi vezvibereko nemhodzi
dzinodyarwa mupasi rese (Global Market) mberi kwacho zvotiita varanda kana kutora nzvimbo
yedu - hupenyu hwedu hwombunyikidzwa munyika matigere.
Hwaro hwepasi hunotangwa nezvakakodzera vanhu, kwete kukoka
ruchiva-kana pasina zvekuti murume kana mukadzi, vanhu rudziyi,vakuru zvakadiyi
kana>rusarura kwerupi rudzi zvarwo - kukwiridzira basa rekurera nekukoshesa ruzivo
rwevanoriyita nekukwiridzira varume nevana komana kuzviitawo.
Kunyangove madzimai vaine mvumo yekubvisa pamuviri, tinekodzero
yekuita vana vatinoda, kuvayamwisa pazamu>kana tichida nekuve nenguva yakakwana navo
nevadikani vedu.
Tanzwa nekutaurirwa zvatinofanira kubvuma maererano ne Global
Market!
Zvikariro
Zvekukanda Mapadza Pasi mupasi rese zvinoti:
- Kushanda kwekuchengetedza zvinhu zvese ngakubhadharwe panguva
pfupi nepfupi(wages)-vanhu vawane mudyandigere,minda, nezvimwe zvingava batsire muupenyu.
Chiyi chinokosha kudarika kubereka, nekuyamwisa vana nekuchengeta vanhu?
Dyarayi zvinobereka hupenyu hwemangwana nekurarama kwakanaka kwete kuisa mari yehurumende
munezve mauto ekurwa nematorongo.
- Kubhadhara ngakuenzanirane kune vese vakadzi nevarume mu Global
Market
- Madzimai aripahata vabhadharwe, nguva pfupi yavanoyamwisa
ibhadharwe nekuwaniswawo mirwe migove ingavabatsire- regai kutipomera mhosva yekuve
vanhukadzi.
- Kubviswa kwejeredzwa kwenyika dzisina upfumi hwakawanda (3rd
World) zvinoremera kumadzimai nevanasikana zvakanyanya. Isu tisu tinekodzero
yekutobhadharwa jeredzwa racho kwete kuti tibhadhare.
- Kukwanisa kuwana mvura yakachena, hutano hwemuviri, kuve
nedzimba dzekugara, zvekufambisa, nekukwanisa kunyora nekuverenga.
- Zvishandiso zvisina njodzi kana urwere, njere neruzivo rwemazuva
ano (technology) zvinobatsira kuti nguva yepabasa ive pfupi. Tese tinoda kuseenzesa
zvitofu zvekubikira, mafiriji, michina yekuwachisa mbatya, macomputer, nenguva
yekusashanda.
- Ngakuve nekudzivirirwa nebotero revarikutiza kurwiswa
nekushushwa zvichisanganisa nhengo dzemhuri nevanezvigaro zvepamusoro zvine masimba.
- Ngakuve nemvumo yekufamba kwaunoda. Mari inofamba kwese
ichitenga zvainoda, ko sei vanhu vachitadziswa?
International Wages for Housework Campaign
Panotangria Website
home
2001
home
2002
Munotiwana
panotevera
|